top of page

Pururudzai kuna Jehovha, imi pasi pose. ~ Pisarema 100:1

Nziyo dzokunamata

Worship Songs

Worship Songs

Watch Now

Magwaro eKurumbidza, Kunamata uye Kuvonga

Ezra 3:11

Vakaimbira Jehovha nokurumbidza nokuvonga;

“Iye akanaka;
   rudo rwake kuna Israeri runogara nokusingaperi.”

Vanhu vose vakapururudza nokupururudza kukuru vachirumbidza Jehovha nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.  

Pisarema 7:17

Ndichavonga Jehovha nokuda kwokururama kwake;
   ndichaimba nziyo dzokurumbidza zita raJehovha Wekumusoro-soro.

Pisarema 9:1

Ndichakuvongai Jehovha, nomwoyo wangu wose;
   ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa.

Pisarema 35:18

Ndichakuvongai paungano huru;
   ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.

Pisarema 69:30

Ndicharumbidza zita raMwari nenziyo
   uye mumukudze nokuvonga.

Pisarema 95:1-3

Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro;
   ngatipururudzei kuDombo rokuponeswa kwedu.

ngatiuye pamberi pake nokuvonga
   murumbidzei nenziyo nokuimba.

Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru,
   Mambo mukuru ari pamusoro pavamwari vose.

Pisarema 100:4-5

Pindai pamasuwo ake muchivonga;
   nezvivanze zvake nokurumbidza;
   chimuvongai uye murumbidze zita rake.
Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi;
   kutendeka kwake kumarudzi namarudzi.

Pisarema 106:1

Rumbidzai Jehovha.

Vongai Jehovha, nokuti akanaka;
   rudo rwake runogara nokusingaperi.

Pisarema 107:21-22

Ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi
   nemabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu.
Ngavabayire zvipiriso zvokuvonga
   Rondedzerai mabasa ake nenziyo dzomufaro.

Pisarema 118:1

Vongai Jehovha, nokuti akanaka;
   rudo rwake runogara nokusingaperi.

Pisarema 147:7

Imbirai Jehovha nokuvonga;
   imbirai Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.

Dhanieri 2:23

Ndinokuvongai nokukurumbidzai, Mwari wamadzibaba angu;
   Makandipa njere nesimba;
makandizivisa zvatakakumbira kwamuri.
   makatizivisa kurota kwamambo.

VaEfeso 5:18-20

Regai kudhakwa newaini, izvo zvinokusvitsa pakuora; Asi, muzadzwe noMweya, muchitaura kuno mumwe nomumwe namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzoMweya. Imbai uye muimbe nziyo kuna Ishe zvichibva mumwoyo yenyu, muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.

VaFiripi 4:6-7

Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuvonga. Uye rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.

VaKorose 2:6-7

Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saIshe, rambai muchigara maari, makadzika midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga.

VaKorose 3:15-17

Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye ivai vanotenda. Shoko raKristu ngarigare pakati penyu rifume pamunodzidzisana nokurairana nouchenjeri hwose namapisarema, nedzimbo, nenziyo dzoMweya, muchiimbira Mwari nokuvonga mumoyo yenyu; Uye chipi nechipi chamunoita, kana mushoko kana chiito, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.

VaKorose 4:2

Zvipirei pakunyengetera, murinde uye muchivonga.

1 VaTesaronika 5:16-18

Farai nguva dzose; nyengeterai nguva dzose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.

VaHebheru 12:28-29

Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingazununguswi, ngativongei, tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza nokutya, nokuti “Mwari wedu moto unoparadza.”

VaHebheru 13:15-16

Naizvozvo kubudikidza naJesu ngatirambe tichipa kuna Mwari chibayiro chekumurumbidza, icho chibereko chemiromo inopupura zita rake. Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai.

Call 

123-456-7890 

Email 

Tevera

  • Facebook
  • Twitter
  • LinkedIn
  • Instagram
bottom of page